1Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake,
2Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka,
3Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake,
4Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu,
5Vakarurama vanovenga nhema,
6Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka,
7Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu;
8Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake,
9Chiedza cheakarurama chinopenya kwazvo;
10Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete,
11Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera,
12Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo,
13Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo,
14Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu,
15Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha,
16Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo,
17Nhume yakaipa inowira munjodzi,
18Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa,
19Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya,
20Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo,
21Zvakaipa zvinotevera mutadzi,
22Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka,
23Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda,
24Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake,
25Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo,