1Ani naani anofarira kuzvirovedza anoda zivo,
2Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha,
3Munhu haangasimbiswi nezvakaipa,
4Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake,
5Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama,
6Mashoko owakaipa anovandira ropa,
7Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve,
8Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake,
9Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda,
10Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake,
11Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda,
12Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa,
13Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa,
14Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka,
15Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari,
16Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo,
17Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi,
18Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo,
19Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi,
20Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa,
21Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa,
22Jehovha anovenga miromo inotaura nhema,
23Munhu akachenjera anovanza zivo yake,
24Maoko anoshingaira achatonga,
25Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu,
26Munhu akarurama anochenjerera ushamwari,
27Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata,
28Munzira yokururama mune upenyu;