1Jehovha anovenga zviero zvinonyengera,
2Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo,
3Unhu hwavakarurama hunovatungamirira,
4Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa,
5Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo,
6Kururama kwavakarurama kunovarwira,
7Kana munhu akaipa afa, tariro yake yaparara;
8Munhu akarurama anonunurwa kubva mudambudziko,
9Munhu asina umwari anoparadza muvakidzani wake nomuromo wake,
10Vakarurama pavanobudirira, guta rinofara;
11Kubudikidza nokuropafadzwa kwomunhu akarurama,
12Munhu anoshayiwa uchenjeri anoseka muvakidzani wake,
13Guhwa rinoparadza chivimbo,
14Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara,
15Uyo anoisira mumwe rubatso zvirokwazvo achaona nhamo,
16Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa,
17Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake,
18Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyengedzera,
19Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu,
20Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa,
21Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi,
22Sezvakaita mukaro wegoridhe mumhino dzenguruve,
23Chishuvo cheakarurama chinoguma mune zvakanaka chete,
24Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda;
25Munhu anopavhurira achabudirira;
26Vanhu vanotuka munhu anounganidza zviyo vamwe vasina,
27Uyo anotsvaka zvakanaka achawana nyasha,
28Ani naani anovimba noupfumi hwake achawa,
29Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete,
30Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu,
31Kana vakarurama vachiwana zvakavafanira panyika,