1“Kana murume akaramba mukadzi wake,
2“Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone.
3Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha,
4Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti,
5muchagara makatsamwa here?
6Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo.
7Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye mununʼuna wake Judha wokusatendeka akazviona.
8Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha mununʼuna wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve.
9Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda.
10Kunyange izvi zvakadaro, mununʼuna wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka.
12Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti,
13Imi zivai mhosva yenyu chete,
14“Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni.
15Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa.
16Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.
17Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa.
18Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka.
19“Ini pachangu ndakati,
20Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake,
21Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti,
22“Dzokai, imi vanhu vokusatenda;
23Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo,
24Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya
25Ngativatei pasi munyadzi dzedu,