1Zvakanzi naJehovha kwandiri: “Enda unotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,”
2Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu.
3Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti,
4“Tora bhanhire rawakatenga, rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.”
5Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha.
6Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.”
7Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose.
8Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
9“Zvanzi naJehovha: ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema.
10Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire uye vavanamate, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose!
11Nokuti sebhanhire rinosungwa muchiuno saizvozvo ndakasungira imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave vanhu vemukurumbira wangu, kurumbidzwa kwangu nokukudzwa kwangu. Asi havana kuteerera.’
12“Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini.’ Zvino kana vakati kwauri, ‘Ko, isu hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini?’
13ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichadhakisa vose vanogara munyika ino, pamwe chete namadzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, navaprista navaprofita navose vanogara muJerusarema.
14Ndichavabonderedza mumwe kuno mumwe, madzibaba navanakomana saizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha. Handingabvumiri tsitsi kana ngoni dzangu kuti zvindidzivise kuvaparadza.’ ”
15Inzwai, rerekai nenzeve dzenyu kwandiri,
16Rumbidzai Jehovha Mwari
17Asi kana musingateereri,
18Uti kuna mambo nokuna mai vamambo,
19Maguta okuNegevhi achazarirwa,
20Simudza meso ako uone
21Uchati kudiniko kana Jehovha achiisa pamusoro pako
22Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti:
23Ko, muEtiopia angashandura ganda rake here,
24“Ndichakuparadzirai sehundi inopepereswa
25Uyu ndiwo mugove wako,
26Ndichafukura nguo dzako pamberi pako,
27upombwe hwako nokufemhedza kworuchiva rwako,