1Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha,
2Makavasima, uye vava nemidzi;
3Asi munondiziva, imi Jehovha;
4Nyika ichasvika riniko yakangooma,
5“Kana wakaita nhangemutange navanhu netsoka,
6Hama dzako, mhuri yako chaiyo,
7“Ndichasiya imba yangu,
8Nhaka yangu yava kwandiri
9Ko, nhaka yangu haizova kwandiri segondo rina mavara here,
10Vafudzi vazhinji vachaparadza munda
11Uchaitwa dongo rakaoma
12Pamusoro pezvikomo zvisina miti zviri mugwenga,
13Vachadyara gorosi asi vachakohwa minzwa;
14Zvanzi naJehovha: “Kana vari vakaipa vakavakidzana nemi vanopamba nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsraeri ndichavadzura munyika dzavo uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo.
15Asi mushure mokuvadzura, ndichavanzwirazve tsitsi uye ndichadzosa mumwe nomumwe wavo kunhaka yake nokunyika yake.
16Zvino kana vadzidza zvakanaka nzira dzavanhu vangu uye vakapika nezita rangu, vachiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ kunyange havo vakambodzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachasimbiswa pakati pavanhu vangu.
17Asi kana pano rudzi rusingateereri, ndicharudzura zvachose ndigoruparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha.