1“Vane nhamo vana vakasindimara,”
2vanoenda kuIjipiti
3Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu,
4kunyange vaine machinda muZoani
5mumwe nomumwe wavo achanyadziswa
6Chirevo pamusoro pemhuka dzeNegevhi:
7kuIjipiti kuno rubatsiro rusina maturo chose.
8Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo,
9Ava ndivo vanhu vakapanduka, vana vokunyengera,
10Vanoti kuvaoni,
11Siyai nzira iyi,
12Naizvozvo zvanzi naMutsvene waIsraeri:
13chivi ichi chichava kwamuri
14Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari,
15Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri:
16Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’
17Chiuru chimwe chete chichatiza
18Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha;
19Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai.
20Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu.
21Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.”
22Ipapo muchasvibisa zvifananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!”
23Achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka.
24Nzombe nembongoro dzinorima munda zvichadya mashanga noupfu, zvakaparadzirwa neforogo nefoshoro.
25Pazuva rokuuraya kukuru, panowira shongwe pasi, hova dzemvura dzichayerera pamusoro pamakomo ose akakwirira napamusoro pezvikomo zvakareba.
26Mwedzi uchapenya sezuva, uye zuva richapenya kakapetwa kanomwe, kufanana nechiedza chamazuva manomwe azere, Jehovha paanosunga mavanga avanhu vake agorapa maronda aakavakuvadza nawo.
27Tarirai, Zita raJehovha rasvika richibva kure,
28Kufema kwake kunofanana nokuyerera kwemvura ine simba zhinji,
29Uye muchaimba
30Jehovha achaita kuti vanhu vanzwe inzwi rake roumambo,
31Inzwi raJehovha richaparadza vaAsiria;
32Shamhu yoga yoga yavacharohwa nayo naJehovha
33Tofeti yakanguri yagadzirira;