1Une nhamo iwe Arieri, Arieri,
2Kunyange zvakadaro, ndichakomba Arieri;
3Ndichakukomba kumativi ose;
4Uchadzikisirwa pasi, uchataura uri pasi;
5Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka,
6Jehovha Wamasimba Ose achauya
7Ipapo mhomho dzendudzi dzose dzakawanda dzinorwa neArieri,
8sezvinoitwa nomunhu ane nzara anorota achidya,
9Katyamarai uye mushamiswe,
10Jehovha akauyisa pamusoro penyu hope huru;
11Nokuti kwamuri, chiratidzo ichi hachizi chinhu asi mashoko akanamirwa murugwaro. Uye kana mukapa rugwaro kuno mumwe munhu anogona kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handikwanisi, nokuti rwakanamirwa.”
12Kana kuti mukapa rugwaro kuno mumwe asingagoni kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handigoni kuverenga.”
13Ishe anoti:
14Naizvozvo ndichashamisa vanhu ava zvakare
15Vane nhamo avo vanosvika kwakadzika dzika
16Munoshandura mamiriro ezvinhu,
17Ko, Rebhanoni haingashandurwi ikava munda wakaorera muchinguva chidiki,
18Pazuva iro vanamati vachanzwa shoko rorugwaro,
19Zvakare vanozvininipisa vachafara muna Jehovha;
20Vane utsinye vachaparadzwa,
21avo vanopomera munhu mhosva neshoko chete,
22Naizvozvo izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, akadzikinura Abhurahama, achiti kuimba yaJakobho:
23Pavachaona vana vavo pakati pavo,
24Vakarasika pamweya vachawana njere;