1Ine nhamo korona yokuzvikudza, yezvidhakwa zveEfuremu,
2Tarira, Ishe ano mumwe ane simba uye anokurira.
3Iya korona, yokuzvikudza yezvidhakwa zveEfuremu,
4Ruva riya rosvava pakubwinya kworunako rwaro,
5Pazuva iro Jehovha Wamasimba Ose achava korona inobwinya,
6Achava mweya wokururamisira
7Ivavawo vanodzedzereka newaini
8Tafura dzose dzazara marutsi
9“Ndianiko waachadzidzisa ruzivo?
10Nokuti zvinoti:
11Zvirokwazvo, Mwari achataura kurudzi urwu nemitauro yavatorwa,
12kwavari akati, “Iyi ndiyo nzvimbo yokuzorora,
13Saka zvino, shoko raJehovha kwavari richava:
14Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki,
15Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu,
16Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:
17Ndichaita kuti kururamisira kuve rwodzi rwokururamisira,
18Sungano yenyu norufu ichadzimwa;
19Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure;
20Nokuti mubhedha uchava mupfupi pakutandavara,
21Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi,
22Zvino chiregai kudada kwenyu,
23Teererai uye munzwe inzwi rangu;
24Murimi paanorimira kuti agodyara, anoramba achingorima here?
25Paanoenzanisa munda wake kuti uti chechetere,
26Nokuti Mwari wake anomurayiridza
27Karawe haipurwi nechireyi,
28Zviyo zvinofanira kukuyiwa kuti zviitiswe chingwa;
29Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose,