1Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.
2Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu;
3Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa,
4Mabote orufu akandipinganidza;
5Mabote eguva akandimonera;
6Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;
7Nyika yakadedera ikadengenyeka,
8Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake;
9Akatsemura matenga akauya pasi;
10Akatasva makerubhi akabhururuka;
11Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza,
12Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba,
13Jehovha akatinhira kudenga;
14Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake,
15Mipata yegungwa yakaiswa pachena,
16Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora;
17Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba,
18Vakandinanga pazuva renjodzi yangu,
19Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana;
20Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu;
21Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;
22Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;
23Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake,
24Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu,
25Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,
26kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu,
27Munoponesa vanozvininipisa,
28Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta;
29Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo;
30Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana;
31Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha?
32NdiMwari anondishongedza nesimba
33Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo;
34Anodzidzisa maoko angu kurwa;
35Munondipa nhoo yenyu yokukunda,
36Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu,
37Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata;
38Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka;
39Makandishongedza nesimba rokurwa;
40Makaita kuti vavengi vangu vatize,
41Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa,
42Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo;
43Makandirwira pakurwisa kwavanhu;
44Pavanongondinzwa, vanonditeerera;
45Vose vanoora mwoyo;
46Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!
47Ndiye Mwari anonditsivira,
48anondiponesa pavavengi vangu.
49Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha;
50Anopa mambo wake kukunda kukuru;