1Zvanzi naJehovha:
2Ndichatumira vatorwa kuBhabhironi
3Musarega mupfuri achiwembura uta hwake,
4Vachawira pasi vaurayiwa muBhabhironi,
5Nokuti Israeri neJudha havana kuraswa
6“Tizai mubve muBhabhironi!
7Bhabhironi rakanga riri mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha;
8Bhabhironi richawa pakarepo rigoondomoka.
9“ ‘Taida kuporesa Bhabhironi,
10“ ‘Jehovha akati hatina mhosva;
11“Rodzai miseve,
12Simudzai mureza pamusoro pamasvingo eBhabhironi!
13Imi mugere pedyo nemvura zhinji
14Jehovha Wamasimba Ose akapika naiye amene achiti:
15“Akaita nyika nesimba rake;
16Paanotinhira, mvura yomumatenga inotinhira;
17“Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo;
18Hazvina maturo, zvinhu zvinosekwa;
19Iye Mugove waJakobho haana kufanana naizvozvi,
20“Ndiwe tsvimbo yangu yehondo,
21newe ndinoparadza bhiza nomutasvi,
22newe ndinoparadza murume nomukadzi,
23newe ndinoparadza mufudzi neboka,
24“Ndicharipira Bhabhironi navose vagere muBhabhironi pamberi pako, nokuda kwezvakaipa zvavakaita muZioni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
25“Ndine mhosva newe, iwe gomo rinoparadza,
26Hapana dombo richabviswa kwauri kuti riitwe dombo rekona,
27“Simudzai mureza munyika!
28Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye,
29Nyika inodedera uye yomonyoroka,
30Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa;
31Anotumwa namagwaro achatevera mumwe,
32mazambuko abatwa,
33Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri:
34“Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatidya,
35Zvechisimba zvakaitwa panyama yedu ngazvive pamusoro peBhabhironi,”
36Naizvozvo, zvanzi naJehovha:
37Bhabhironi richava murwi wamatombo,
38Vanhu vake vose vanoomba seshumba diki,
39Asi kana vamutswa,
40“Ndichavaburutsa pasi
41“Haiwa, Sheshaki richakundwa sei,
42Gungwa richakwira pamusoro peBhabhironi;
43Maguta aro achaparadzwa,
44Ndicharanga Bheri muBhabhironi
45“Budai mariri, imi vanhu vangu!
46Regai kuora mwoyo kana kutya
47Nokuti zvirokwazvo nguva ichasvika
48Ipapo denga nenyika nezvose zviri mazviri
49“Bhabhironi rinofanira kuwa nokuda kwavakaurayiwa vaIsraeri,
50Imi makapunyuka pamunondo,
51“Takanyadziswa,
52“Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
53Kunyange dai Bhabhironi rikasvika kudenga,
54“Inzwi rokuchema rinobva kuBhabhironi,
55Jehovha achaparadza Bhabhironi;
56Muparadzi achauya kuzorwisa Bhabhironi;
57Ndichaita kuti machinda ake navakachenjera vake vadhakwe,
58Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:
59Iri ndiro shoko rakapiwa naJeremia kumuchinda Seraya mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, paakaenda kuBhabhironi naZedhekia mambo weJudha mugore rechina rokutonga kwake.
60Jeremia akanga anyora murugwaro pamusoro penjodzi dzose dzaizouya pamusoro peBhabhironi, zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro peBhabhironi.
61Akati kuna Seraya, “Paunosvika kuBhabhironi, uone kuti waverenga mashoko ose aya uchidanidzirisa.
62Ipapo uti, ‘Haiwa Jehovha, makati muchaparadza nzvimbo ino, zvokuti hakuna munhu kana zvipfuwo zvingagaramo; ichaparadzwa nokusingaperi.’
63Paunopedza kuverenga rugwaro urwu, sungira ibwe parwuri ugorukanda muna Yufuratesi.
64Ipapo uti, ‘Saizvozvo Bhabhironi richanyura rikasazomukazve nokuda kwenjodzi yandichauyisa pamusoro paro. Uye vanhu varo vachawa.’ ”