We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Jeremia 18

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Jeremia 17 Jeremia Jeremia 19 →

1Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti,

2“Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko.”

3Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo.

4Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka.

5Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

6“Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri.

7Kana ndikazivisa panguva ipi zvayo kuti rudzi kana ushe zvidzurwe nokubvarurwa uye zviparadzwe,

8uye kana rudzi urwo rwandakayambira rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo, ipapo ndichazvidemba ndigorega kuisa pamusoro pavo njodzi yandakanga ndavarongera.

9Uye kana pane imwe nguva ndikazivisa kuti rudzi kana ushe zvivakwe uye zvisimwe,

10uye kana rukaita zvakaipa pamberi pangu uye rukasanditeerera, ipapo ndicharangarirazve zvakanaka zvandakanga ndichida kuruitira.

11“Naizvozvo zvino uti kuvanhu veJudha naavo vanogara muJerusarema, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kugadzirira njodzi uye ndiri kuronga urongwa hwakaipa pamusoro penyu. Saka dzokai mubve panzira dzenyu dzakaipa, mumwe nomumwe wenyu, uye mushandure nzira dzenyu namaitiro enyu.’

12Asi vachapindura vachiti, ‘Hazvina maturo. Ticharambira pane zvatakafunga; mumwe nomumwe wedu achatevera kusindimara kwomwoyo wake wakaipa.’ ”

13Naizvozvo zvanzi naJehovha:

14Ko, chando cheRebhanoni

15Kunyange zvakadaro, vanhu vangu vakandikanganwa;

16Nyika yavo ichaitwa dongo,

17Semhepo inobva kumabvazuva,

18Vakati, “Uyai tironge zvatingaita naJeremia; nokuti kudzidziswa kwomurayiro navaprista hakungaraswi, kunyange zano rinobva kuna vakachenjera, kana shoko rinobva kuvaprofita. Saka uyai, timurove nendimi dzedu tirege kuteerera chinhu chipi nechipi chaanoreva.”

19Haiwa Jehovha ndinzweiwo;

20Ko, zvakanaka zvingatsiviwa nezvakaipa here?

21Saka sundirai vana vavo kunzara;

22Kuchema ngakunzwike kuchibva kudzimba dzavo,

23Asi munoziva, imi Jehovha,

← Jeremia 17 Jeremia Jeremia 19 →