1“Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi,
2Kunyange vana vavo vanorangarira
3Gomo rangu riri munyika
4Nokuda kwokutadza kwako, ucharasikirwa
5Zvanzi naJehovha:
6Achafanana negwenzi murenje;
7“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha,
8Achafanana nomuti wakasimwa pamvura,
9Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose,
10“Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo
11Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira,
12Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakasimudzirwa kubva pakutanga,
13Imi Jehovha, tariro yaIsraeri,
14Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa;
15Vanogara vachiti kwandiri,
16Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu;
17Musava chinhu chinotyisa kwandiri;
18Vatambudzi vangu ngavanyadziswe,
19Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema.
20Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya.
21Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema.
22Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu.
23Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa.
24Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro,
25ipapo madzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi vachauya napamasuo eguta namachinda avo. Ivo namachinda avo vachauya vakakwira ngoro namabhiza, vachiperekedzwa navarume veJudha navose vanogara muJerusarema, uye guta rino richagarwa nokusingaperi.
26Vanhu vachauya kumaguta eJudha uye nokumisha yakapoteredza Jerusarema, kubva kunyika yeBhenjamini nokujinga rezvikomo zvokumavirira, nokunyika yemakomo uye nokuNegevhi, vachiuyisa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, uye zvipiriso zvezviyo, nezvinonhuhwira nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha.
27Asi kana mukarega kunditeerera kuti muchengete zuva reSabata kuti rive dzvene, musingaregi kutakura mutoro pamunopinda pamasuo eJerusarema nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto usingadzimwe mumasuo eJerusarema uchapedza nharo dzaro.’ ”