1Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.
2Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.
3Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.
4Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.
5Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.
6Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati:
7Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura;
8Asi ndiwo mweya uri mumunhu,
9Havazi vakuru bedzi vakachenjera,
10“Naizvozvo ndinoti: Nditeererei;
11Ndakambomirira pamaitaura,
12ndakanyatsokuteererai.
13Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri;
14Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri,
15“Vashamiswa uye havachina chokureva;
16Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara,
17Neniwo ndichava nechokutaura;
18Nokuti ndizere namashoko,
19mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa,
20Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe;
21Handina munhu wandichatsaura,
22nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso,