1“Ndakaita sungano nameso angu
2Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko,
3Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa,
4Ko, iye haaoni nzira dzangu
5“Kana ndakafamba nenzira yenhema
6Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka
7kana tsoka dzangu dzakatsauka kubva pagwara,
8ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara,
9“Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi,
10ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume,
11Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa,
12Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa;
13“Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu,
14ndichaita sei pandichasangana naMwari?
15Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here?
16“Kana ndakaramba zvido zvevarombo
17kana ndakazvidyira chingwa changu,
18asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa,
19kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokupfeka,
20uye mwoyo wake ukasandiropafadza
21kana ndakasimudzira nherera ruoko rwangu
22ipapo ruoko rwangu ngaruwe papfudzi rangu,
23Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari,
24“Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe,
25kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru,
26kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro,
27zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda,
28zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa,
29“Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu,
30handina kutendera muromo wangu kutadza,
31kana vanhu veimba yangu vasina kumboti,
32Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha,
33Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu,
34nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji,
35“Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa!
36Zvirokwazvo ndairutakura pamapfudzi angu,
37Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe;
38“Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva,
39kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi,
40ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi,