We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Isaya 39

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Isaya 38 Isaya Isaya 40 →

1Panguva iyoyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara nokupora kwake.

2Hezekia akagamuchira nhume nomufaro akavaratidza zvakanga zviri mumatura ake: sirivha, goridhe, zvinonhuhwira namafuta anokosha nenhumbi dzake dzose dzokurwa uye nezvose zvaiwanikwa papfuma yake. Hapana chinhu mumuzinda wake kana muumambo hwake chavasina kuratidzwa naHezekia.

3Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akabvunza achiti, “Varume avo vakati kudini, uye vakabvepi?”

4Muprofita akamubvunza achiti, “Vakaoneiko mumuzinda menyu?”

5Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha Wamasimba Ose:

6Zvirokwazvo nguva ichauya iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira nhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha.

7Uye vamwe vavana vako, venyama neropa rako chairo vauchabereka, vachatorwa uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.”

8Hezekia akapindura achiti, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafunga kuti, “Pachava norugare nokudzivirirwa pamazuva oupenyu hwangu.”

← Isaya 38 Isaya Isaya 40 →