We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Isaya 38

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Isaya 37 Isaya Isaya 39 →

1Mumazuva iwayo Hezekia akarwara kusvikira oda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzirisa zveimba yako, nokuti uri kuzofa; hausi kuzopona.”

2Hezekia akatendeukira kumadziro akanyengetera kuna Jehovha achiti,

3“Rangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba sei nokutendeka pamberi penyu nomwoyo wose nechokwadi uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.

4Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Isaya richiti,

5“Enda undoti kuna Hezekia, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichawedzera makore gumi namashanu paupenyu hwako.

6Uye ndichakurwira iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiria. Ndicharwira guta rino.

7“ ‘Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvose zvaakavimbisa:

8Ndichaita kuti mumvuri waitwa pazuva udzokere shure nhambwe gumi pamutaro wawanga wafamba pamanera aAhazi.’ ” Saizvozvo zuva rakadzokera shure nhambwe gumi dzarakanga radzika.

9Chinyorwa chaHezekia mambo weJudha mushure mokurwara nokupora kwake:

10Ndakati, “Mazuva oupenyu hwangu

11Ndakati, “Handichazoonizve Jehovha,

12Setende romufudzi, imba yangu

13Ndakamirira nomwoyo murefu kusvikira mambakwedza,

14Ndakarira senyenganyenga kana kondo.

15Asi ndingati kudiniko?

16Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu zvakadai;

17Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru

18Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai,

19Vapenyu, ivo vapenyu,

20Jehovha achandiponesa,

21Zvino Isaya akanga ati, “Gadzirai bundu ramaonde mugoriisa pamota, uye achapora.”

22Hezekia akanga abvunza achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti ndiende kutemberi yaJehovha?”

← Isaya 37 Isaya Isaya 39 →