1Chirevo pamusoro peTire:
2Nyararai, imi vanhu vagere pachiwi
3Pamusoro pemvura
4Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa,
5Panosvika shoko kuIjipiti,
6Yambukirai kuTashishi;
7Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here,
8Ndianiko akarongera Tire izvozvi,
9Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo,
10Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi,
11Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa,
12Akati, “Mafaro ako haachazovapozve,
13Tarira nyika yavaBhabhironi,
14Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi;
15Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti:
16“Tora rudimbwa, ufambe nomuguta,
17Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzokerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika.
18Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka.