1“Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo,
2ndichaunganidza ndudzi dzose
3Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu,
4“Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo.
5Nokuti makatora sirivha negoridhe rangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu.
6Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure.
7“Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita.
8Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura.
9Paridzirai izvi kundudzi dzose:
10Pfurai mapadza enyu muaite minondo,
11Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose
12“Ndudzi dzose ngadzimutswe;
13Shandisai jeko,
14Vazhinji zhinji, vazhinji zhinji,
15Zuva nomwedzi zvichasviba
16Jehovha achaomba paZioni,
17“Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha Mwari wenyu,
18“Pazuva iroro makomo achachururuka waini itsva,
19Asi Ijipiti ichava dongo,
20MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi,
21Mhosva yavo yeropa yandisina kuregerera,