1Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
2Inzwai izvi, imi vakuru;
3Zvinhu izvi zviudzei vana venyu,
4Zvakasiyiwa nefararira remhashu
5Mukai imi zvidhakwa, chemai!
6Rudzi rwarwisa nyika yangu,
7Rwakaparadza mizambiringa yangu yose,
8Chemai semhandara yakapfeka masaga
9Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa
10Minda yaparadzwa,
11Pererwai nezano, imi varimi,
12Muzambiringa waoma,
13Pfekai masaga mucheme, imi vaprista;
14Tsaurai nguva yokutsanya kutsvene;
15Rinotyisa sei zuva iro!
16Ko, zvokudya hazvina kubviswa here
17Mbeu dzinopetana
18Mombe dzinogomera sei!
19Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri,
20Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri;