1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2“Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
3Wakachenjera kukunda Dhanieri here?
4Wakazviwanira pfuma
5Wakawanza pfuma yako
6“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:
7ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa,
8Vachakuburutsira kugomba,
9Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,”
10Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa
11Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
12“Mwanakomana womunhu, chemera mambo weTire ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
13Wakanga uri muEdheni,
14Wakazodzwa sekerubhi rinorinda,
15Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako,
16Nokuwanda kwokushambadzira kwako
17Mwoyo wako wakazvikudza
18Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira,
19Ndudzi dzose dzaikuziva
20Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
21“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro,
22uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
23Ndichatuma denda pamusoro paro
24“ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
25“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho.
26Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”