1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2“Mwanakomana womunhu, chema pamusoro peTire.
3Uti kuTire, riri pasuo rokugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
4Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru;
5Vakaita mapuranga ako ose
6Vakaita matanda okukwasva nawo
7Maseiri ako akanga ari omucheka wakarukwa zvakaisvonaka waibva kuIjipiti,
8Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako;
9Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo,
10“ ‘Varume vokuPezhia, neRidhia nePuti
11Varume vokuArivhadhi nevokuHereki
12“ ‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako.
13“ ‘Girisi, Tubhari neMesheki dzakatengeserana newe; vakatsinhanisa nhapwa nezvinhu zvendarira zvezvigadzirwa zvako.
14“ ‘Varume veBheti Togarima vakatsinhanisa mabhiza ebasa namabhiza ehondo namanyurusi kuti uzvishambadzire.
15“ ‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga.
16“ ‘Aramu yakatengeserana newe nokuda kwezvibereko zvako zvizhinji; vakatsinhanisa matombo eturikoise nemicheka yepepuru, nezvakarukwa, nemicheka yakaisvonaka, nekorari namatombo amarubhi zvokutengesa zvako.
17“ ‘Judha neIsraeri vakatengeserana newe, vakatsinhanisa gorosi neMiniti nezvinotapira, uchi, mafuta nebharimi nezvigadzirwa zvako.
18“ ‘Dhamasiko, rakatengeserana newe nokuda kwezvigadzirwa zvako zvizhinji nepfuma yenhumbi newaini yaibva kuHeribhoni newuru yaibva kuZahari.
19“ ‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako.
20“ ‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza.
21“ ‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, makondobwe nembudzi.
22“ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuhwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.
23“ ‘Harani, Kane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengeserana newe.
24Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ane mafundo akasimba.
25“ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda
26Vakwasvi vako vanokutora
27Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa,
28Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka
29Vose vanobata matanda okukwasva
30Vachadanidzira namanzwi avo
31Vachaveura misoro yavo nokuda kwako,
32Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako,
33Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa,
34Zvino wakaputsanyiwa negungwa
35Vose vanogara mumahombekombe vanoshamiswa newe;
36Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo;