We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Muparidzi 3

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Muparidzi 2 Muparidzi Muparidzi 4 →

1Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,

2nguva yokuberekwa nenguva yokufa,

3nguva yokuuraya nenguva yokuporesa,

4nguva yokuchema nenguva yokuseka,

5nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete,

6nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike,

7nguva yokubvarura nenguva yokusona,

8nguva yokuda nenguva yokuvenga,

9Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?

10Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.

11Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.

12Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu.

13Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari.

14Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.

15Chipi nechipi chiripo zvino, chakagara chiripo kare,

16Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva:

17Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,

18Ndakatizve, “Kana vari vanhu, Mwari anovaedza kuti vaone kuti vakangofanana nemhuka.

19Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoitika kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinofema mweya mumwe; munhu hapana paanopfuura mhuka. Zvose hazvina maturo.

20Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu, uye kuvhu zvose zvinodzokera.

21Ndiani angaziva kana mweya womunhu uchikwira kuenda kumusoro uye kana mweya wemhuka uchidzika pasi?”

22Saka ndakaona kuti hapana chingapfuure ichi, kuti munhu afadzwe nebasa rake, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Nokuti ndiani achazomudzosazve kuti aone zvichazoitika shure kwake?

← Muparidzi 2 Muparidzi Muparidzi 4 →