We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Muparidzi 2

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Muparidzi 1 Muparidzi Muparidzi 3 →

1Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo.

2Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?”

3Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo.

4Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa.

5Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose.

6Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura.

7Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema.

8Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji.

9Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni.

10Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu,

11Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu

12Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri,

13Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi,

14Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make,

15Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,

16Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa;

17Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.

18Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera.

19Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo.

20Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva.

21Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo.

22Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva?

23Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo.

24Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari,

25nokuti kana pasina iye, ndiani angadya kana kuwana mufaro?

26Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.

← Muparidzi 1 Muparidzi Muparidzi 3 →