1Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi:
2“Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni;
3Mwari waIsraeri akataura,
4akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva
5“Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here?
6Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa,
7Ani naani anobata minzwa
8Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi:
9Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure,
10asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.
11Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo.
12Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.
13Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.
14Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.
15Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!”
16Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha.
17Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa.
18Abhishai mununʼuna waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.
19Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.
20Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.
21Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.
22Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.
23Akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.
24Pakati pavaya Makumi Matatu paiti:
25Shama muHarodhi,
26Herezi muPariti, Ira
27Abhiezeri aibva kuAnatoti,
28Zarimoni muAhohi,
29Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,
30Bhenaya muPiratoni,
31Abhi-Aribhoni muAribhati,
32Eriabha muShaaribhoni,
33mwanakomana waShama muHarari,
34Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati,
35Heziro muKarimeri,
36Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha,
37Zereki muAmoni,
38Ira muItiri,
39naUria muHiti.