1Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.
2Akati:
3Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari,
4Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa,
5“Mafungu orufu akandikomba;
6Mabote eguva akandimonera;
7Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;
8“Nyika yakadedera uye ikazungunuka,
9Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake;
10Akakamura matenga akaburuka pasi;
11Akatasva makerubhi akabhururuka;
12Akaita kuti rima rimupoteredze setende,
13Kubva pakupenya kwokuvapo kwake
14Jehovha akatinhira ari kudenga;
15Akapfura miseve akaparadzira vavengi,
16Mipata yegungwa yakaiswa pachena
17“Akatambanudza ruoko ari kudenga akandibata;
18Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba,
19Vakandivinga muzuva renjodzi yangu,
20Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana;
21“Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu;
22Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;
23Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;
24Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake,
25Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu,
26“Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,
27kune vakachena munozviratidza makachena,
28Munoponesa vanozvininipisa,
29Imi muri mwenje wangu, Jehovha;
30Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa neboka ravarwi;
31“Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;
32Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha?
33NdiMwari anondishongedza nesimba
34Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo;
35Anodzidzisa maoko angu kurwa;
36Munondipa nhoo yenyu yokukunda,
37Munotambanudza nzira pasi pangu,
38“Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza;
39Ndakavaparadza zvachose,
40Makandishongedza nesimba rokurwa;
41Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa,
42Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa,
43Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika;
44“Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu;
45Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera,
46Vose vanoora mwoyo;
47“Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!
48Ndiye Mwari anonditsivira,
49anondisunungura kubva kuvavengi vangu.
50Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi;
51“Iye anopa mambo wake kukunda kukuru;