1Bhenjamini aiva baba
2Noha wechina naRafa wechishanu.
3Vanakomana vaBhera vaiva:
4Abhishua, Naamani Ahoa,
5Gera, Shefufani naHurami.
6Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati:
7Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi.
8Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara.
9Nomukadzi wake Hodheshi akabereka Johabhi, Zibhia, Mesha Marikami,
10Jeuzi, Sakia naMirima. Ava ndivo vaiva vanakomana vake, vakuru vemhuri.
11NaHushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.
12Vanakomana vaEripaari vaiva:
13naBheria naShema, avo vakanga vari vakuru vemhuri dzaavo vaigara muAijaroni uye vakadzinga vagari veGati.
14Ahiyo, Shashaki, Jeremoti,
15Zebhabhia, Aradhi, Edheri,
16Mikaeri, Ishipa naJoha vaiva vanakomana vaBeria.
17Zebhadhia, Meshurami, Hiziki, Hebheri,
18Ishimerai, Iziria naJobhabhi vaiva vanakomana vaEripaari.
19Jakimi, Zikiri, Zabhidhi,
20Erienai, Ziretai, Erieri,
21Adhaya, Bheraya naShimirati vaiva vanakomana vaShimei.
22Ishipani, Ebheri, Erieri,
23Abhidhoni, Zikiri, Hanani,
24Hanania, Eramu Anitotiya,
25Ifidheya naPenueri vaiva vanakomana vaShashaki.
26Shamisherai, Sheharia, Ataria,
27Jaareshia, Eria, naZikiri vaiva vanakomana vaJerohamu.
28Vose ava vaiva vakuru vemhuri, vari madzishe sezvazvakanyorwa munhoroondo dzavo. Uye vaigara muJerusarema.
29Jeyeri, baba vaGibheoni vaigara muGibheoni.
30uye mwanakomana wake wedangwe ainzi Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi,
31Gedhori, Ahio, Zekeri,
32uye Mikiroti, uyo aiva baba vaShimea. Ivo vaigarawo pedyo nehama dzavo muJerusarema.
33Neri aiva baba vaKishi, Kishi aiva baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abinadhabhi, naEshi-Bhaari.
34Mwanakomana waJonatani ainzi
35Vanakomana vaMika vaiva:
36Ahazi aiva baba vaJehoadha, Jehoadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri uye Zimiri aiva baba vaMoza.
37Moza aiva baba vaBhinea Rafa aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake.
38Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo:
39Vanakomana vomununʼuna wake Esheki vaiva:
40Vanakomana vaUramu vaiva varwi voumhare vaigona kushandisa uta. Vaiva navanakomana navazukuru vazhinji vaisvika zana namakumi mashanu pamwe chete.