We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

1 Makoronike 4

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← 1 Makoronike 3 1 Makoronike 1 Makoronike 5 →

1Zvizvarwa zvaJudha zvaiva:

2Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati.

3Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami:

4Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha.

5Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara.

6Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaahashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara.

7Vanakomana vaHera vaiva:

8naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni.

9Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanunʼuna vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.”

10Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni, rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.

11Kerubhi, mununʼuna waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni.

12Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.

13Vanakomana vaKenazi vaiva:

14Meonotai aiva baba vaOfira.

15Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva:

16Vanakomana vaJehareri vaiva:

17Vanakomana vaEzira vaiva:

18Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi.

19Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vaiva:

20Vanakomana vaShimoni vaiva:

21Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva:

22Jokimi, varume veKozebha naJoashi naSarafi vaitonga muMoabhu naJashubhi Rehemi. (Zvinyorwa izvi ndezvakare.)

23Vaiva vaumbi vehari vaigara paNetaimi nepaGedhera; vaigarapo vachishandira mambo.

24Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva:

25Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.

26Zvizvarwa zvaMishima zvaiva:

27Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanunʼuna vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha.

28Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,

29Bhiriha, Ezemi, Toradhi,

30Bhetueri, Horima, Zikiragi,

31Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri neSharaimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi.

32Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimoni, Tokeni neAshani, maguta mashanu

33nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara.

34Meshobhabhi, Jamireki,

35Joere,

36uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya,

37naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.

38Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo.

39uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro.

40Vakawana mafuro akanaka kwazvo akapfuma, uye nyika yakanaka ine nzvimbo huru ine runyararo norugare. VaHamu ndivo vakanga vachimbogaramo kare.

41Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo.

42Uye mazana mashanu avo vaiva vaSimeoni vachitungamirirwa naPeratia, Nearia, Refaya naUzieri, vanakomana vaIshi, vakandorwisa nyika yamakomo yeSeiri.

43Vakauraya vaAmareki vakanga vasara avo vakanga vapunyuka, uye vakagarapo kusvikira nhasi.

← 1 Makoronike 3 1 Makoronike 1 Makoronike 5 →