1Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemani naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri.
2Kubva kuvanakomana vaAsafi:
3Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake:
4Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake:
5Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu.
6Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo mukuimba mutemberi yaJehovha, nomukuridza makandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo.
7Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere navasere.
8Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo.
9Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa,
10wechitatu kuna Zakuri,
11wechina kuna Iziri,
12wechishanu kuna Netania,
13wechitanhatu kuna Bhukia,
14wechinomwe kuna Jesarera,
15worusere kuna Jeshaya,
16wepfumbamwe kuna Matania,
17wegumi kuna Shimei,
18wegumi nomumwe kuna Azareri,
19wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
20wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
21wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
22wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
23wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
24wegumi neminomwe kuna Joshibhekasha,
25wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
26wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti,
27wamakumi maviri kuna Eriata,
28wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri,
29wamakumi maviri nemiviri kuna Gidhariti,
30wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti,
31wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri,