We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

1 Makoronike 24

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← 1 Makoronike 23 1 Makoronike 1 Makoronike 25 →

1Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni:

2Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista.

3Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa.

4Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari.

5Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari.

6Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari.

7Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi,

8wechitatu kuna Harimi,

9wechishanu kuna Marikia,

10wechinomwe kuna Hakozi,

11wepfumbamwe kuna Jeshua,

12wegumi nomumwe kuna Eriashibhi,

13wegumi nenhatu kuna Hupa,

14wegumi neshanu kuna Bhiriga,

15wegumi nenomwe kuna Heziri,

16wegumi nepfumbamwe kuna Petahia,

17wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini,

18wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya,

19Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri.

20Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi:

21Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga.

22Kubva kuvaIzhari: Sheromoti;

23Vanakomana vaHebhuroni vaiva:

24Mwanakomana waUzieri aiva: Mika;

25Mununʼuna waMika: Ishia;

26Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi.

27Vanakomana vaMerari vaiva:

28Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana.

29Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri.

30Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti.

31Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose.

← 1 Makoronike 23 1 Makoronike 1 Makoronike 25 →