1Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari,
2Achatonga vanhu venyu nokururama,
3Makomo achavigira vanhu kubudirira,
4Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu,
5Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi,
6achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa,
7Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka;
8Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa,
9Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake,
10Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure
11Madzimambo ose achamupfugamira
12Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira;
13Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa,
14Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa zvinhu nechisimba,
15Iye ngaararame upenyu hurefu!
16Zviyo ngazviwande munyika yose;
17Zita rake ngarigare nokusingaperi;
18Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri,
19Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi;
20Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.