1Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo;
2Ndichakurumbidzai mazuva ose,
3Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa;
4Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe;
5Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu,
6Vanhu vachataura nezvesimba ramabasa enyu anotyisa,
7Vachapemberera kuwanda kwokunaka kwenyu,
8Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi,
9Jehovha akanaka kuna vose;
10Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha;
11Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu,
12kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru,
13Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi,
14Jehovha anotsigira vose vanowa,
15Meso avose anotarira kwamuri,
16Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda.
17Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
18Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.
19Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya;
20Jehovha anochengeta vose vanomuda,
21Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha.