We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Numeri 24

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Numeri 23 Numeri Numeri 25 →

1Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.

2Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake

3uye akataura chirevo chake achiti:

4chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari,

5“Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho,

6“Semipata, vakaita fararira,

7Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo;

8“Mwari akavabudisa muIjipiti;

9Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi,

10Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari, “Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.

11Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”

12Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti,

13‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here’?

14Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”

15Ipapo akataura chirevo chake akati:

16chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari,

17“Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino;

18Edhomu achakundwa;

19Mutongi achabuda muna Jakobho

20Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti:

21Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti:

22asi imi vaKeni muchaparadzwa,

23Ipapo akataura chirevo chake akati:

24Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu;

25Ipapo Bharamu akasimuka akadzokera kunyika yake, uye Bharaki akaenda kwakewo.

← Numeri 23 Numeri Numeri 25 →