We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Mateo 1

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

Mateo Mateo 2 →

1Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama:

2Abhurahama aiva baba vaIsaka,

3Judha baba vaPerezi naZera, mai vavo vaiva Tamari,

4Ramu baba vaAminadhabhu,

5Sarimoni baba vaBhoazi, mai vake vari Rahabhi,

6naJese baba vamambo Dhavhidhi.

7Soromoni baba vaRehobhoamu,

8Asa baba vaJehoshafati,

9Uzia baba vaJotamu,

10Hezekia baba vaManase,

11naJosia baba vaJekonia navanunʼuna vake panguva yavaiva kuutapwa muBhabhironi.

12Vabva kuutapwa kuBhabhironi:

13Zerubhabheri baba vaAbhiudhi,

14Azori baba vaZadhoki,

15Eriudhi baba vaEreazari,

16Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.

17Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.

18Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.

19Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji.

20Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene.

21Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.”

22Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti:

23“Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”

24Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake,

25asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.

Mateo Mateo 2 →