We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Ruka 3

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Ruka 2 Ruka Ruka 4 →

1Mugore regumi nemashanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, mununʼuna wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini,

2panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga.

3Akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi.

4Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi:

5Mipata yose ichafushirwa,

6Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.’ ”

7Johani akati kuvanhu vazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka! Ndianiko akuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?

8Chiberekai zvibereko zvinoenderana nokutendeuka. Uye musatanga kuti mumwoyo menyu, ‘Abhurahama ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kumutsira Abhurahama vana pamabwe aya.

9Demo ratoiswa pamidzi yemiti, uye muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.”

10Vanhu vazhinji vakati, “Zvino toita seiko?”

11Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye ane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.”

12Vateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa. Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, toita seiko?”

13Akati kwavari, “Musatora mari inopfuura mwero wamunofanira kutora.”

14Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.”

15Vanhu vakanga vakamirira vakatarisira, uye vose vakanga vachikahadzika mumwoyo mavo kuti zvimwe Johani akanga ari iye Kristu.

16Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura zvokuti ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.

17Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”

18Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari.

19Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womununʼuna wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita,

20Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo.

21Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka,

22Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”

23Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Sokuonekwa kwazvo, akanga ari mwanakomana,

24mwanakomana waMatati,

25mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi,

26mwanakomana waMaati,

27mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa,

28mwanakomana waMereki,

29mwanakomana waJoshua, mwanakomana waEriezeri,

30mwanakomana waSimeoni,

31mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena,

32mwanakomana waJese,

33mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waRami,

34mwanakomana waJakobho,

35mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu,

36mwanakomana waKainani,

37mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki,

38mwanakomana waEnoshi,

← Ruka 2 Ruka Ruka 4 →