We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Ruka 1

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

Ruka Ruka 2 →

1Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu,

2sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri neavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko.

3Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa,

4kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.

5Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni.

6Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa.

7Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo.

8Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake achibata somuprista pamberi paMwari,

9akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuhwira mutemberi yaShe.

10Uye nguva yokupisa zvinonhuhwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera.

11Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuhwira.

12Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya.

13Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani.

14Achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake,

15nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake.

16Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo.

17Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.”

18Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.”

19Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe, ndizokuudza nhau dzakanaka idzi.

20Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.”

21Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi.

22Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura.

23Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake.

24Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akazvivanza kwemwedzi mishanu.

25Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.”

26Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea,

27kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria.

28Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.”

29Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii.

30Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.

31Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.

32Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi,

33uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.”

34Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”

35Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.

36Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.

37Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”

38Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.

39Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea,

40uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti.

41Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene.

42Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara!

43Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri?

44Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro.

45Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!”

46Maria akati:

47uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu,

48nokuti akanga ane hanya

49nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru,

50Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya,

51Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake;

52Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo,

53Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka,

54Akabatsira muranda wake Israeri,

55kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi,

56Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye mushure maizvozvo akazodzokera zvake kumusha.

57Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana, akazvara mwana mukomana.

58Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye.

59Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria,

60asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.”

61Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.”

62Ipapo vakaninira namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana.

63Akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo.

64Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari.

65Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose.

66Vanhu vose vakazvinzwa vakashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.

67Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:

68“Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe,

69Akatisimudzira runyanga rworuponeso

70sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare,

71iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu

72kunzwira madzibaba edu ngoni

73mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:

74kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu,

75muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.

76“Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita weWokumusoro-soro;

77kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza

78nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu,

79kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima

80Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.

Ruka Ruka 2 →