1“Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here?
2Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here?
3Dzinotsivama pasi dzigobereka vana vadzo;
4Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango;
5“Ndianiko akaregedza mbizi ichienda?
6Ndakaipa renje kuti uve musha wayo,
7Inoseka bope riri muguta;
8Inoita zvikomo mafuro ayo
9“Ko, nyati ingabvuma kukushandira here?
10Ko, ungagona kuifambisa mumiforo namahanisi here?
11Ungavimba nesimba rayo guru here?
12Ungavimba nayo kuti ikutakurire zviyo zvako
13“Mapapiro emhou anopapama nomufaro mukuru,
14Zvirokwazvo inokandira mazai ayo muvhu
15isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya,
16Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo;
17nokuti Mwari haana kuisa njere mairi
18Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye,
19“Iwe unopa bhiza simba raro
20Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu,
21Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro,
22Rinoseka kutya, harina charinotya;
23Goba remiseve rinorira parutivi paro,
24Neshungu rinodya ivhu;
25Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’
26“Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here
27Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here
28Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku;
29Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro;
30Vana varo vanodya ropa,