1“Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga?
2Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu;
3Vanotinha mbongoro dzenherera,
4Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira,
5Sezvinoita mbizi murenje,
6Vanosunganidza uswa mumasango,
7Vashaya nguo, vagovata usiku hwose vasina zvavakapfeka
8Vanototeswa nemvura inonaya mumakomo,
9Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu;
10Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka;
11Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga;
12Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta,
13“Varipo vanomukira chiedza,
14Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa;
15Ziso remhombwe rinomirira rubvunzavaeni;
16Vanhu vanopaza dzimba murima,
17Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo;
18“Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura;
19Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyunguduka,
20Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya;
21Vanovandira mukadzi asingabereki, asina mwana,
22Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake;
23Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa;
24Vanosimudzirwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda;
25“Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema,