1“Ndinosema upenyu hwangu chaihwo,
2Ndichati kuna Mwari: Musandiwanira mhosva
3Ko, kundimanikidza kunokufadzai,
4Ko, imi muna meso enyama here?
5Ko, mazuva enyu akaita seavaya vanofa,
6kuti muongorore mhosva yangu
7kunyange muchiziva kuti handina mhosva,
8“Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira.
9Rangarirai kuti makandiumba sevhu.
10Hamuna kundidurura somukaka here
11mukandifukidza neganda nenyama
12Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni,
13“Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu,
14Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa,
15Kana ndine mhosva, ndine nhamo!
16Kana ndikasimudza musoro wangu, imi munondironda sezvinoita shumba,
17Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva
18“Ko, zvino makandibudisirei mudumbu?
19Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu,
20Ko, mazuva angu haasi mashoma ava kutopera here?
21ndisati ndaenda kusingadzokwi,
22kunyika yerima guru,