We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Joshua 19

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Joshua 18 Joshua Joshua 20 →

1Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, mhuri nemhuri. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha.

2Nhaka yavo yaisanganisira:

3Hazari Shuari, Bhara, Ezemi,

4Eritoradhi, Bheturi, Homa,

5Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa,

6Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;

7Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo,

8nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi).

9Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakakura kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha.

10Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, mhuri nemhuri:

11Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurukova rwuri pedyo neJokineami.

12Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJafia.

13Ipapo wakaramba wakananga kumabvazuva uchienda kuGati Hefa neEti Kazini; uchindobudira paRimoni ndokudzoka wakananga kuNea.

14Ipapo muganhu wakapoterera nechokumusoro uchienda kuHanatoni ndokugumira paMupata weIfita Eri.

15Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pane maguta gumi namaviri nemisha yawo.

16Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, mhuri nemhuri.

17Mugove wechina wakapiwa Isakari, mhuri nemhuri.

18Nyika yavo yaisanganisira:

19Hafaraimi, Shioni, Anaharati,

20Rabhiti, Kishioni, Ebhezi,

21Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi.

22Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo.

23Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, mhuri nemhuri.

24Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, mhuri nemhuri.

25Nyika yavo yaisanganisira:

26Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati.

27Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Dhagoni, ugobata Zebhuruni noMupata weIfita Eri, uye ugonanga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuura Kabhuri iri nechokuruboshwe.

28Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru.

29Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi,

30Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pane maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo.

31Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, mhuri nemhuri.

32Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, mhuri nemhuri:

33Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani.

34Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva.

35Maguta akanga ane masvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti,

36Adhama, Rama, Hazori,

37Kedheshi, Edhirei, Eni Hazori,

38Ironi, Migidhari Eri, Horemi, Bheti Anati neBheti Shemeshi. Paiva namaguta gumi namapfumbamwe nemisha yawo.

39Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaNafutari, mhuri nemhuri.

40Mugove wechinomwe wakapiwa kurudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.

41Nyika yenhaka yavo yaisanganisira:

42Shaarabhini, Aijaroni, Itira,

43Eroni, Timuna, Ekironi,

44Eriteke, Gibhetoni, Bhaarati,

45Jehudhi, Bhene Bheraki, Gati Rimoni,

46Me Jakironi, Rakoni nenyika yakatarisana neJopa.

47(Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.)

48Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.

49Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo,

50sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo.

51Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika.

← Joshua 18 Joshua Joshua 20 →