We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Joshua 12

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Joshua 11 Joshua Joshua 13 →

1Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:

2Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni.

3Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.

4Uyewo nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.

5Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGesheri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.

6Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.

7Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rinokwidza richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo,

8nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, inova nyika yavaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi):

9mambo weJeriko mumwe chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete

10mambo weJerusarema mumwe chete mambo weHebhuroni mumwe chete

11mambo weJarumuti mumwe chete mambo weRakishi mumwe chete

12mambo weEgironi mumwe chete mambo weGezeri mumwe chete

13mambo weDhebhiri mumwe chete mambo weGedheri mumwe chete

14mambo weHoma mumwe chete mambo weAradhi mumwe chete

15mambo weRibhina mumwe chete mambo weAdhuramu mumwe chete

16mambo weMakedha mumwe chete mambo weBheteri mumwe chete

17mambo weTapua mumwe chete mambo weHeferi mumwe chete

18mambo weAfeki mumwe chete mambo weRasharoni mumwe chete

19mambo weMadhoni mumwe chete mambo weHazori mumwe chete

20mambo weShimuroni Meroni mumwe chete mambo weAkishafi mumwe chete

21mambo weTaanaki mumwe chete mambo weMegidho mumwe chete

22mambo weKadheshi mumwe chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete

23mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete

24mambo weTiriza mumwe chete,

← Joshua 11 Joshua Joshua 13 →