We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Jeremia 22

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Jeremia 21 Jeremia Jeremia 23 →

1Zvanzi naJehovha: “Burukira kumuzinda wamambo weJudha undoparidza shoko iri ikoko uchiti,

2‘Inzwai shoko raJehovha, imi mambo weJudha, iyemi munogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, imi namachinda enyu navanhu venyu vanopinda napamasuo aya.

3Zvanzi naJehovha: Itai zvakanaka nezvakarurama. Rwirai akabirwa muruoko rwounomumanikidza. Regai kuitira zvakaipa kana chisimba kumutorwa nenherera kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.

4Nokuti kana mukachenjerera kuteerera mirayiro, ipapo madzimambo anogara pachigaro chaDhavhidhi achapinda napamasuo omuzinda uyu, vakakwira mungoro nepamabhiza vachiperekedzwa namachinda avo navanhu vavo.

5Asi kana mukaramba kunzwa mirayiro iyi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndinopika neni ndimene kuti nzvimbo ino ichava dongo.’ ”

6Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pomuzinda wamambo weJudha:

7Ndichatumira vaparadzi pamusoro penyu,

8“Marudzi mazhinji avanhu achapfuura nepaguta rino uye vachabvunzana vachiti, ‘Jehovha aitireiko chinhu chakadai kuguta rino?’

9Zvino mhinduro ichati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo vakanamata uye vakashumira vamwe vamwari.’ ”

10Musachema mambo akafa kana kuungudza nezvake;

11Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi mwanakomana waJosia, uyo akatevera Baba vake samambo weJudha asi akabva panzvimbo ino: “Haazombodzoki.

12Achafira munzvimbo yavakamuendesa kuutapwa; haachazombooni nyika inozve.”

13“Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama,

14Iye anoti, ‘Ndichazvivakira muzinda wakakura

15“Izvozvo zvinokuita mambo here,

16Akatongera varombo nevaishayiwa mhaka dzavo,

17“Asi meso enyu nemwoyo yenyu

18Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha:

19Achavigwa sokuvigwa kunoitwa mbongoro,

20“Kwirai kuRebhanoni mudanidzire,

21Ndakakuyambira uchigere zvakanaka,

22Mhepo ichadzingira kure vafudzi vako vose,

23Imi mugere mu‘Rebhanoni,’

24“Zvirokwazvo, noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange kana iwe Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, wakanga uri mhete muruoko rwangu rworudyi, ndaingokubvisa zvakadaro.

25Ndichakuisa mumaoko aavo vanotsvaka kukuuraya, ivo vaunotya, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvaBhabhironi.

26Ndichapotsera iwe namai vakakubereka kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa, uye ikoko kwamuchandofira muri vaviri.

27Hamuzombodzokizve kunyika yamunoshuva kudzokera kwairi.”

28Ko, murume uyu Jehoyakini munhu akazvidzika, ihari yakaputsika,

29Iwe nyika, nyika, nyika,

30Zvanzi naJehovha:

← Jeremia 21 Jeremia Jeremia 23 →