We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

VaHebheru 5

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← VaHebheru 4 VaHebheru VaHebheru 6 →

1Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.

2Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera.

3Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.

4Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.

5Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari,

6Uye akati, pane imwe nzvimbo,

7Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.

8Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake

9uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera

10uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki.

11Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro peizvi, asi zvinorema kuzvitsanangura kwamuri nokuti munononoka kunzwisisa.

12Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.

13Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama.

14Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.

← VaHebheru 4 VaHebheru VaHebheru 6 →