We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

VaHebheru 3

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← VaHebheru 2 VaHebheru VaHebheru 4 →

1Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake.

2Akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMozisi akanga akatendeka muimba yose yaMwari.

3Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho.

4Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.

5Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.

6Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.

7Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti:

8musaomesa mwoyo yenyu

9mandakaedzwa namadzibaba enyu

10Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo,

11“Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati,

12Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.

13Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.

14Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma.

15Sezvazvakataurwa zvichinzi:

16Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti?

17Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje?

18Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera?

19Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.

← VaHebheru 2 VaHebheru VaHebheru 4 →