1Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,
2asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.
3Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
4Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari:
6Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:
7Achitaura pamusoro pavatumwa anoti,
8Asi pamusoro poMwanakomana anoti,
9Makada kururama uye mukavenga kusarurama;
10Anotizve,
11Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;
12Muchazvipeta sejasi;
13Ndoupi pakati pavatumwa akambonzi naMwari:
14Ko, vatumwa vose havasi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?