We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Genesisi 49

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Genesisi 48 Genesisi Genesisi 50 →

1Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya.

2“Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho;

3“Rubheni, iwe uri dangwe rangu,

4Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve,

5“Simeoni naRevhi mukoma nomununʼuna,

6Ngandirege kupinda parangano yavo,

7Kutsamwa kwavo ngakutukwe, kunotyisa zvakadai,

8“Judha, hama dzako dzichakurumbidza;

9Uri mwana weshumba, iwe Judha;

10Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha,

11Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa,

12Meso ake achasviba kupfuura waini,

13“Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwa

14“Isakari imbongoro ine simba,

15Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei

16“Dhani acharuramisira vanhu vake

17Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa,

18“Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha.

19“Gadhi acharohwa neboka ravapambi,

20“Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora;

21“Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa,

22“Josefa muzambiringa unobereka mazambiringa,

23Neshungu vapfuri vanomurwisa;

24Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba,

25nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira,

26Maropafadzo ababa vako makuru

27“Bhenjamini ibere rinoparadza;

28Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira.

29Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti,

30bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamure muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda.

31Ndipo pakavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara, ndipozve pakavigwa Isaka nomukadzi wake Rabheka, uye Rea akavigwa ipapo.

32Munda nebako riri mauri zvakatengwa kubva kuvaHiti.”

33Jakobho akati apedza kurayira vanakomana vake, akadzora tsoka dzake mumubhedha, akabudisa mweya wake akasanganiswa navanhu vokwake.

← Genesisi 48 Genesisi Genesisi 50 →