1Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu).
2Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi,
3uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.
4Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri,
5uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani.
6Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomununʼuna wake Jakobho.
7Pfuma yakanga yawanda kwazvo kuti vagare pamwe chete; nyika yavaigara yakanga isisavaringani vose nokuda kwezvipfuwo zvavo.
8Saka Esau (ndiye Edhomu) akandogara kunyika yezvikomo yeSeiri.
9Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau baba vavaEdhomu munyika yezvikomo yeSeiri.
10Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau:
11Vanakomana vaErifazi vaiva:
12Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.
13Vanakomana vaReueri vaiva:
14Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau, vaiva:
15Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau:
16Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha.
17Vanakomana vaReueri, mwanakomana waEsau,
18Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, vaiva:
19Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo.
20Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro:
21Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori.
22Vanakomana vaRotani vaiva:
23Vanakomana vaShobhari vaiva:
24Vanakomana vaZibheoni vaiva:
25Vanakomana vaAna vaiva:
26Vanakomana vaDhishoni vaiva:
27Vanakomana vaEzeri vaiva:
28Vanakomana vaDhishani vaiva:
29Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori:
30Dhishoni, Ezeri naDhishani.
31Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:
32Bhera, mwanakomana waBheori, akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.
33Bhera akati afa, Jobhabhi, mwanakomana waZera, aibva kuBhozira akamutevera paumambo.
34Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.
35Hushani akati afa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti.
36Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo.
37Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo.
38Shauri akati afa, Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.
39Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akati afa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Pua, uye zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi.
40Aya ndiwo madzishe akabva kuna Esau, namazita avo, maererano nedzimba dzavo namatunhu avo:
41Ohoribhama, Era, Pinoni,
42Kenazi, Temani, Mibhiza,
43Magidhieri naIrami.