We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Genesisi 18

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Genesisi 17 Genesisi Genesisi 19 →

1Jehovha akazviratidza kuna Abhurahama pedyo nemiti mikuru yeMamure panguva yaakanga agere pamukova wokupinda patende rake masikati zuva richipisa.

2Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi.

3Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu.

4Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu.

5Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.”

6Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatu18:6 marita angaita 22 zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.”

7Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira.

8Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti.

9Vakamubvunza vakati, “Mukadzi wako Sara aripiko?”

10Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.”

11Abhurahama naSara vakanga vakwegura uye vava namakore mazhinji, uye Sara akanga atopfuura zera rokubereka vana.

12Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?”

13Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’

14Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.”

15Sara akatya, saka akareva nhema akati, “Handina kuseka.”

16Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza.

17Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here.

18Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye.

19Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.”

20Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa

21zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.”

22Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha.

23Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here?

24Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo?

25Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”

26Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.”

27Ipapo Abhurahama akataurazve akati, “Zvino zvandatanga kudai kuti nditaure kuna Ishe, kunyange hazvo ndisiri chinhu asi guruva namadota,

28ko, kana kukashayikwa vashanu kune vakarurama vana makumi mashanu? Muchaparadza guta rose nokuda kwavashanu ava here?”

29Zvakarezve akataura kwaari akati, “Ko, kana kukawanikwa makumi mana chete?”

30Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai nditaure hangu. Ko, kana makumi matatu chete vakawanikwamo?”

31Abhurahama akati, “Zvino zvandatsunga hangu kudai kuti nditaure kuna Ishe, ko, kana makumi maviri akawanikwamo?”

32Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai hangu nditaurezve kamwe chete. Ko, kana gumi chete vakawanikwamo?”

33Jehovha akati apedza kutaura naAbhurahama, akabva, uye Abhurahama akadzoka kumba kwake.

← Genesisi 17 Genesisi Genesisi 19 →