We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Ezekieri 32

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Ezekieri 31 Ezekieri Ezekieri 33 →

1Mugore regumi namaviri, mumwedzi wegumi nemiviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2“Mwanakomana womunhu, chemera Faro mambo weIjipiti uti kwaari:

3“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

4Ndichakukanda panyika

5Ndichayanika nyama yako pamakomo,

6Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera

7Pandichakudzima, ndichafukidza matenga

8Zviedza zvose zvinopenya zvedenga

9Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji,

10Ndichaita kuti marudzi mazhinji ashamisike pamusoro pako,

11“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha:

12Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vawe

13Ndichaparadza mombe dzayo dzose

14Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane,

15Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo

16“Aya ndiwo mashoko okuchema avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

17Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

18“Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.

19Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai munoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’

20Vachava pakati pavakaurayiwa nomunondo. Munondo wavhomorwa; ngaakweverwe kunze pamwe chete navanhu vake vazhinji.

21Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’

22“Asiria iriko nehondo yayo yose; yakakomberedzwa namakuva avakaurayiwa vayo vose, vose vakaurayiwa nomunondo.

23Makuva ayo ari pasi pasi mugomba uye hondo yayo ivete yakakomberedza rinda rayo. Vose vakanga vaparadzira kutya munyika yavapenyu vakaurayiwa vakafa nomunondo.

24“Eramu iriko, pamwe chete navanhu vayo vazhinji vose vakapoteredza rinda rayo. Vose vakaurayiwa, vakafa nomunondo. Vose vakanga vatyisidzira vamwe munyika yavapenyu vakaburukira panyika pasi vasina kudzingiswa. Vakatakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba.

25Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa.

26“Mesheki neTubhari dziripo, navanhu vadzo vazhinji vakakomba marinda adzo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo nokuti vakatyisidzira vanhu munyika yavapenyu.

27Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu.

28“Newewo, iwe Faro, uchavhunwa uye uchavata pakati pavasina kudzingiswa.

29“Edhomu iriko namadzimambo ayo namachinda ayo ose; kunyange ane simba, vakaradzikwa navaya vakaurayiwa nomunondo. Vakavata navasina kudzingiswa, navaya vanoburukira kugomba.

30“Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.

31“Faro, iye nehondo yake, achavaona agonyaradzwa nokuda kwavanhu vake vazhinji vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

32Kunyange ndakamurega achityisidzira vamwe munyika yavapenyu, Faro navanhu vake vazhinji vacharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

← Ezekieri 31 Ezekieri Ezekieri 33 →