We Believe JesusFé, Esperança e Nova Vida

Ezekieri 24

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · xona

← Ezekieri 23 Ezekieri Ezekieri 25 →

1Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2“Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori.

3Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

4Uise mairi nhindi dzenyama,

5utore gwai rakasanangurwa.

6“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha:

7“ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro:

8Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva

9“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha:

10Saka tutira huni

11Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe

12Zvakunda kushingaira kwangu kwose;

13“ ‘Zvino kusachena kwako ndihwo unzenza hwako. Nokuti ndakaedza kukunatsa asi hauna kunatswa pakusachena kwako, hauchazonatswizve kusvikira hasha dzangu dzabva pamusoro pako.

14“ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handinganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

15Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

16“Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usachema kana kuungudza kana kubudisa misodzi.

17Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga nguwani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.”

18Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa.

19Ipapo vanhu vakandibvunza vachiti, “Haungatiudzi kuti zvinhu izvi zvinorevei kwatiri here?”

20Saka ndakati kwavari, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

21Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo.

22Uye imi muchaita sezvandakaita. Hamungazofumbiri zasi kwezviso zvenyu kana kudya zvokudya zvavanochema.

23Mucharega nguwani dzenyu dziri mumisoro yenyu neshangu dziri mumakumbo enyu. Hamungaungudzi kana kuchema asi muchaonda nokuda kwezvivi zvenyu uye muchagomera pakati penyu.

24Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; muchaita sezvaakaita. Panoitika izvi, imi muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’

25“Uye iwe, mwanakomana womunhu, pazuva randichavatorera nhare dzavo mufaro wavo nokukudzwa kwavo, mufaro wamaziso avo, chishuvo chemwoyo yavo, uye vanakomana navanasikana vavowo,

26pazuva iro mutizi achauya kuzokuudza zvinenge zvaitika.

27Panguva iyoyo muromo wako uchazaruka; uchataura naye uye hauchazonyararizve. Saka iwe uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

← Ezekieri 23 Ezekieri Ezekieri 25 →